MVURA YAKACHENA YONETSA KUWANA MUGUTA

By Eneresi Takawira Zita rangu ndinonzi Eneresi Takawira.Ndine makore 34 ekuberekwa.Ndinogara muGoromonzi Ward 2 mudunhu rasabhuku Zhanda kwaChinamora. Mumusha medu taita dambudziko remvura ine hutsanana yekushandisa.Panguva ino migodhi mizhinji yanga yawoma mvura.Nokudaro tine chibhorani icho chave kushandiswa neveruzhinji mumusha . Zvino dambudziko nderekuti chibhorani ichi hachina utsanana hwakakwana nekuti simbi dzepo dzinoita kuti tikwanise kuchidhaya dzakafa.Saka parizvino changa chavhurwa vanhu …