By SHIELA ZINDONDA
Ndiri muSouthly Park inove 16km kubva muguta re Harare muna Simon Mazorodze kuruboshwe kwako.
Ndiri pamba pemumwe mudzimai wandiri kukurukura naye mayererano nenhau yevana yekuvhura zvikoro.
Mudzimai uyu anoti danho rekuvhurwa kwezvikoro harisi kumuitira zvakanaka.Arikuti iye sezvo denda reCovid 19 risati rapera hazvigone kuti vana vadzokere kuzvikoro.
Anoti zvechimwe chikonzero asiri kuwirirana nazvo ndechekuti dai vana vakange vakadzidza kusvika pakati pegore zvichida zvaiita nani asi zvino Covid yakatanga gore richangotanga.
Saka mudzimai uyu ari kuti vana ngavagare kudzimba kusvika denda rapera.Asi variko kumba ngativatsvakire zvekuita zvinoita kuti vasazoswera vachiita zvese zvese.
Vana vakawanirwa zvekuita havazosangana nenjodzi dzakaita sekutsva nekuda kwekuswera vachitamba mahumbwe nemoto.
Saka ngationei kuti zviri kuswera zvichiita vana hazvina njodzi here takamirira kuderera kwedenda reCovid kuti tisazochemazve mangwana.
Ndini Fracia Mapfumo we GMC.